2 Timothy 2

Timotio anosimbiswa

1Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu. 2Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe. 3Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waJesu Kristu. 4Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa. 5Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo. 6Murimi anobata zvakasimba anofanira kutanga kugamuchira zvibereko. 7Fungisisa zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvese. 8Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu; 9yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvikira pazvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa. 10Saka ndinotsungirira zvinhu zvese nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi. 11Shoko iri rakatendeka; nokuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye. 12Kana tikatsungirira, tichatongawo pamwe naye; kana tikamuramba, naiye achatiramba. 13Kana tisingatendeki, iye anoramba akatendeka; iye haagoni kuzviramba.

Tinofanira kuita sei kune vakarasika padzidzo

14Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa. 15Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi. 16Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari, 17neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayosi naFiretosi; 18ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe. 19Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama. 20Asi muimba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivheri chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa. 21Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo wekukudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa basa rese rakanaka. 22Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena. 23Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kurwa. 24Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vese, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu, 25anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi, 26uye vapengenuke kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakange vakabatwa naye pakuda kwake.

Copyright information for Shona